Bumbiro re Mabhi
Bumbiro re Mabhi (Nge. alphabet, Chishongrish: Arufabheti) inzira yekunyora, rondedzero yezviratidzo zvekunyora. Zviratidzo zvekutanga muarufabheti zvinonzi mabhii. Mubumbiro remabhi, bhii rimwe nerimwe chiratidzo cheruzha kana manzwi ane hukama. Kuita kuti arufabheti ishande zvirinani, mamwe masaini anobatsira muverengi: zviratidzo zvepumikira, nzvimbo, gwara rekuverenga, zvichingodaro.
Iro zita alfabheti rinobva kuna Aleph ne Beth , mabhii maviri ekutanga muBumbiro re Mabhi e Chifenike .
Chinyorwa ichi chakanyorwa mabhii eChirhoma (kana bumbiro re mabhi eChiratini). Yakatanga kushandiswa muRoma Yekare kunyora Chiratini. Mitauro mizhinji inoshandisa bumbiro re mabhi ye Chiratini: ndiyo inonyanya kushandiswa arufabheti nhasi.
Rangarirai kuti bumbiro re mabhi rakasiyana ne kekuro (iyo inonzi Skiriputi ne Chishongrish kutodza Chingezi chinoti Script).
Bumbiro re mabhi rechiShona: A B BH CH D DH E F G H I J K L M N N' O P R S SH T U V VH W X Y Z ZH
Mienzaniso ye mabumbiro emabhi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Keruro ye Chiratini, ikeruro inoshandiswa kakurusa pasirose kunyangwe mitauro ye Chishona inshandisa keruro ye Chiratini.
- Keruro ye Chigiriki inoshandiswa kunyora Chigiriki
- Keruro ye Chiarabhu inoshandiswa kunyora Chiarabhu, Chiperusiya, Chiurudhu
- Keruro ye Chihebheru inoshandiswa kunyora Chihebheru ne Chiyidhi.
- Keruro ye Chikiriri inoshandiswa kunyora mitauro ye Chisilavha senge Chirhashiya, Chibhurugariya, Chiseribhiya uye kanawo mitauro ye Upakati weEzhiya
- Mimwe mibumbiro ye mabhi inosanganisa Chikoputi, Chijojiya, Chiarumeniya zvichidaro.